God is Light (Shona Sermon) - 1 John 1: 5-7

edit

God is Light (1 John 1:5-7) 5 This is the message which we have heard from Him and declare to you, that God is light and in Him is no darkness at all. 6 If we say that we have fellowship with Him, and walk in darkness, we lie and do not practice the truth. 7 But if we walk in the light as He is in the light, we have fellowship with one another, and the blood of Jesus Christ His Son cleanses us from all sin. NKJV

Pane chinhu chaindinetsa kubva ndichiri mudiki pandaive kuchikoro,taive nezuva rataiita zve agriculture tichirima chibage. So vaitidzidzisa vaingoti kana mapinda mumunda kandai mbeu mumakomba amunenge machera mosiya mafushira. Ndaiwanzodzokera mu class ndiine one question yekuti why zvirimwa zvese zvichimera zvichikwira mudenga pasinawo zvinomera zvichidzika pasi midzi ichibudawo mudenga. Despite kakandiro kataiita mbeu whether takanda zve rough rough kana kuti takanda zvakanaka,taingoona zvichimera zvichibuda panze. Thank God handina kuzoramba ndiine that confusion, takazodzidziswa the importance of light tikaudzwa kuti kunyangwe ivhu rikanaka sei chero rikawana zvese zvarinoda mvura ikanaya, panotozoda light chete kuti mbeu yatakadyaraimere. Hazvina mhosva kuti mbeu yakadyarwa zvakashata or zvakanaka, kutiimere panotoda light panoda chiedza. Zvoreva kuti light rikashaikwa mbeu yaparara iyi, light rikasavepo hapana chinomera apa, light rikasawanikwa hapana future.

Ndinoda kumbotaura newe nhasi hama yangu, hazvina mhosva wakaberekerwa panevhu rakaipa,hazvina basa wakaberekerwa pa ivhu rakanaka, kana usina chiedza, kana usina light, unorambira muzvivi shamwari. So munyori ndipo paarikuti God is light, and in Him there is no darkness.Mwari ndiye chiedza, Shamwari kana urimuna Kristu mauri munechiedza, hakuna mweya wetsvina mamhepo kana ma demon anofana kurarama mauri, nekuti mauri wakatakura Messiah, Mauri wakatakura light, declare right now,kuti urimwana wechiedza, varoyi nen’anga havana power over you, vanowuka nevanoshandisa African magic cannot achieve dominance over you. Kana wawana Chiedza ichi zvinhu zvinochinja, kana wawana light iri life inoshanduka, ma habitual sins anoregedzeka, zvinhu zvinokufambira zvakanaka izvi.You belong to God shamwari, uriwaMwari iwewe, for you are a royal priesthood according to 1 st Peter 2:9. Hazvina basa kuti wakazvarirwa mu road kana mu toilet, hazvina basa nekwawakazvarirwa, kana chiedza chamauri unoitwa mukuru naJehovah, He is not a respector of persons.

Haugone kurega zvivi usina chinokupa power rekurega, haugone kusiya mabasa asatan kana usina a pushing force, hunoregedzeka sei hwahwa pasina iye anonzi light, ruchiva runoregedzeka sei , small house hamuisiye zvekumhanya bamnini kana musati mawana chiedza imi. Hazvidi simba ratete, mbuya kana sekuru, hazvidi simba reshamwari kana hama but zvinoda simba ra Jehovah, zvinoda simba raiye aripamusoro pemasimba ese.Its not by mighty nor by power, but by my Spirit says the LORD of host. He is the light of the world. Have you ever noticed kuti ukatora ruva, ukariisa mumba motanga kuridiridza muchiisa tu manure nekutimbira timbira, rinokura richienda direction ine light, rinoreba richienda kune light nekuti kune light kune hupenyu, nekuti kune light kune future, chero ukashanda basa rakanaka, chero life yako ikanaka sei, kana isina chiedza chinonzi Jesus Christ hauwane eternal life, kana usingatende muchiyedza unoshandira mahara shamwari, kune vasati vamugamuchira, make this decision right now,usakundwe ne nature inoziva kukosha kwechiyedza, usakundwe nemaruva anoziva kukosha kwe light, naJesu zvinoita.

Light rikashaikwa panoita disaster, imbo imaginer kuti dai kusina tichirarama manheru chete, kusina anonzi masikati, kusina ma lights kana ma candles ekuti tione patirikutsika, patirikufamba kana kwatirikuenda,chii chaiitika? Zvoreva kuti asina light maari anotsika pese pese, anoenda kwese kwese, anoita zvese zvese, maihweeeeee anogara pese pese, but ane light anoona paarikufamba,paanotsika nekwaanoenda. Tsoka dzemutsvene, dzinorongwa naJehovah,the steps of the righteous are ordered by God. Kune vanhu varikuraramira murima chero zvavo vachfambawo masikati and vachigara muchiedza chepanyika pano, life yavo haina order, akasvika parikunwiwa anongonwawo,akasvika parikudyiwa anongodyawo, akadanana nemukomana anongotambiswa, anongoita zvese zvese but panguva ino Mwari ngavakubatsire shamwari,I declare right now,denga ngarikunzwire nyasha, Mwari ngavapinde mauri. Believe in Him, and He shall set you free, pinda mu 5 minutes of prayer, uti Mwari chiedza ngachipinde mandiri, find a quiet place and pray and the LORD our God shall forgive you, pawakararamira murima pakwana, nguva yekuchema nekushungurudzwa ngaipere, nguva yekunetswa ngaibve mauri, regedzwa newakaipa, as you pray panguva ino, believe kuti Mwari vakaterera, believe kuti zvinoita. Hakuna munamato unoendera mahara, hakuna prayer inowira pasi, pamwe pacho wakararamira murima nekusaziva,pamwe zvakangoitikawo,pamwe pacho wakafurirwa asi kudenga kuna Mwari vanoregerera, Mwari havasi musaruri wevanhu, zvatochinja kubva nhasi. Zvivi zvinogara mutsinga nemuropa zvinoregedzeka kana wawana chiedza. Hakuna darkness ine power over light