GONO MOYO CHIRANDU
Mazviita Moyo Chirandu
Gonoren'ombe mushayachirashwa
Mukaka tinonwa,mafuta tichizora
Nyama tinodya ganda tichikakisa ngoma
Ndove tinodzurisa mudzimba
Muswe tinopumhisa
Nyanga tichiita gonan'ombe

Maita Gonyohori Matake
Vakatakira nedzavamwe paruware
Gono raMutindi naGochedza
Vari Maronga neUshava
Vari Muduma neChiduma
Mushenjere waVaduma usina pakaminama
Pakaminama tinoorara
Vamarera nherera vanorera nedzevamwe
Ndikafira pano wani
Kudai kuenda ndichidzoka zvinoita huyo
Chinondiona sechinameso
Navaripowo namangwana musanyara

lililililili(mupururu)